Bhaibheri

Nerutendo Tinoziva

UMC Nziyo 206

1

Nerutendo tinoziva Mwari wakasika pasi, Zuva mwedzi nenyeredzi Zvinobatwa ndiye.

2

Nerutendo Abrahamu Wakateerera Mwari, Akaenda nyika m'kanza. Akakomborerwa ndiye.

3

Nowa wakatenda Mwari, Akavakavo ngarava, Wakateerera kwazvo, Akazoponeswa ndiye.

4

Nerutendowo Enoki Wakafadza Mwari wake. Ndizvo haasakafaba, Wakatorwa kune denga.

5

Tinoziva tinogara Murutendo kuna Mwari, Nekuita zvakanaka Kuna Mwari Baba wedu.

6

Zvino, Baba tinodisa Kuti tive nerutendo, Rwekuita vanhu kwavo, Ndirwo tingafadza imi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.