Kare Vanhu Venyu Baba
UMC Nziyo 212
1
Kare vanhu venyu Baba Vanga vakagwinya, Vakatambudzika ivo Vakamuda kwazvo
Chorus
Mwari wangu ngandipiwe Simba kuna avo, Vakaita basa renyu Vasingatyi mhandu.
2
Ndoda mwoyo wakanaka, Wakashingisiswa, Unomutswa nguva dzese Kundoshumaira.
3
Ndoda kumudisa kwazvo Kunopinda zvese, Ndoda kumukarakadza Kuti ndiri ndega.
4
Ndoda kunzwa kuti ndiri Munhu wenyu ini, Ndoda kunzwa izwi renyu Mune mwoyo wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.