Namatayi Vanamati
UMC Nziyo 218
1
Namatayi vanamati Musanete imi kwete, Kwanga kune shirikadzi Haisakaneta iyo.
2
Nguva zhinji yakauya Kukumbira'yo mutongi, "Nditongere mhosva yangu," Nguva ndefu wakaramba.
3
Gare gare wakazoti, "Kana ini ndisikatyi Mwari kana umwe munhu, Yandinetsa shirikadzi."
4
"Ndoitonga mhosva yayo, Pararayi mhandu dzake, Regerayi kumunetsa; Fara zvako shirikadzi."
5
Jesu wakataura kuti Mwari achavapindura Avo vanomudaidza Masikati neusiku.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.