Jesu Wanditungamira
UMC Nziyo 225
1
Jesu wanditungamira Ndanga ndiri mune dima, Ndakaiswa mukupenya Neshamwari dzakanaka. Ndikadzidza kuteura Kuna Baba naM'ponesi, Akandipa mwoyo mutsva Nendaramo yakanaka.
2
Jesu wanditungamira Nguva dzese dzeupenyu, Ndazopiwa zano rake Kusarura zvakanaka Nekuita mwoyo chena Kune vanotambudzika, Zvino ndinotenda kuti Jesu wanditungamira.
3
Jesu wanditungamira Nekufadza mwoyo wangu, Tsitsi dzake dzakakwana, Zvipo zvake zvakawanda; Ndikaneta nekufamba, Kana mweya une nyota, Inobuda pano nzira Tsime yerufaro iyo.
4
Jesu wanditungamira, Handichadi chimwe chinhu, Ndinotenda ngoni dzake, Uyo anondichengeta, Ndine runyararo zvino Nekutenda kuna iye, Ndinoziva Tenzi wangu Anoita zvakanaka.
5
Jesu wanditungamira, Rudo rwake rwakakomba, Ndatsidzirwa ruzororo Kune imba yake, Baba; Apo ndinobururuka Kune musha wake, Mwari, Ndichaimba nguva dzese. Jesu Wanditungamira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.