Bhaibheri

Baba Vedu Makazvita

UMC Nziyo 247

1

Baba wedu makazvita Makatipa M'ponesi, Murumbwana wenyu umwe Kuti atipangidzire Nzira yekudenga renyu.

2

Kuti tichirangarira Vabareki vedu kare, Vaitambudzika kwazvo, Nekushaya nguva kudya, Pfumvu, nhamo, nzara hayo.

3

Havasaiziva Jesu Murumbwana wenyu Mwari, Havasakamuwombera, Vakagara mune dima, Havasakawona mwenje.

4

Zvino isu tinotenda, Tiri vana venyu, Baba, Vanomuwombera kwese, Uko tinofamba isu, Tine muchengeti Jesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.