Bhaibheri

Mwari Baba Mune Nyasha Huru

UMC Nziyo 252

1

Mwari Baba mune nyasha huru Touya kobatsirwa, Munondodurura simba guru Pane chechi yenyu, Tipei ungwaru nerushingo Isu wemuchechi nhasi, Kusandira imi.

2

Hondo zhinji pano dzekuipa Dzinoshora imi, Asi isu vanhu tiri kutya Kurwa nadzo mhandu. Tipei ungwaru nerushingo Kuti tizokana nadzo Mhandu dzeumambo.

3

Vanhu vamwe vanotsvaka chete Zviro zvemunyika, Havatsvaki zviro zvemumweya, Izvo zvinokosha. Tipei ungwaru nerushingo Kusarurazve umambo, Izvo zvakanaka.

4

Toda kushandira imi, Baba, Nekuudza vamwe Kuti vazoziva Jesu Kristu Nekumutevera. Tipei ungwaru nerushingo Kuti tizomushandira Navo vanomuda.

5

Tizoramba tichitsvaka, Baba, Ruponeso rwenyu, Tisazopfuvirwe mumashure, Mutibatsireyi. Tipei ungwaru nerushingo Kushandira imi, Baba, Nekusingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.