Mirai Vanhu Vedu
UMC Nziyo 255
1
Mirayi vanhu vedu Simudzayi muchinjiko, Kudzai Jesu Kristu M'ponesi wakanaka. Mutungamiri wedu Mukuru kune vese, Anokurira mhandu Nezvese zvakaipa.
2
Fambayiwo vatsvene, Munyika dzese dzese, Mushumaire izwi RaJesu Tenzi wedu; Mukundi uchapiwa Chiremba cheupenyu, Anozowona Jesu Atonge naye iyo.
3
Mirayi, vanhu vedu, Musimba rake basi, Munyama munotadza, Hamuna simba imi; Pfekayi nhumbi dzake, Tendayi kune Mweya, Endayi kune pfumvu, Musatye, imi vanhu.
4
Mirayi, vanhu vedu, Mukane, nguva ipfupi; Nyamusi kupopota, Mangwana tinokuwa; Mukundi achapiwa Chiremba cheupenyu, Anova semutongi, Kusingachazoperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.