Ngatiite Zvakanaka
UMC Nziyo 263
1
Ngatiite zvakanaka Kune avo vanochema, Ngatiite zvakanaka Kune vanotambudzika. Kuti tizokomborerwa Parwendo rwedu pano, Ngaticherechedze avo Vane mwoyo yeurombo.
Chorus
Nguva yedu ipfupi kwazvo Nguva yedu ipfupi kwazvo, Hattizivi musi uyo Mwari anotidaidza.
2
Ngatitaurire avo Vanoshaya Muponesi, Vakarasa nzira dzavo, Vaakufamba kune rufo, Kuti tizofara kwazvo Neupenyu hwerutendo, Ngatishinge kutaura Kuti tinopona seyi.
3
Vese avo vari shure Vanowona nzira dzedu, Vadikanwi vari shure Vanofunga nzira dzedu; Ngatifambe zvakanaka Pane nzira muupenyu, Mwoyo izokura kwazvo Nerutendo kuna Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.