Vanhu Vese Vakanaka
UMC Nziyo 265
1
Vanhu vese vakanaka vanotaura idi Usanyepa kwete, kwete taura zvirokwazvo.
Chorus
Taurai zveidi taurai zveidi Idi rakanaka.
2
Mwari anodisa kwazvo vanotaura idi, Anoziva vana vake vanodisa idi.
3
Anania naSafira vakanyepa kare, Vakazofa pekarepo nekunyepa kwavo.
4
Ngatitaure zvirokwazvo, tisanyepe, kwete, Ngatiite vanhu kwavo kutaura idi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.