Apo Toropito Yake Mwari
UMC Nziyo 281
1
Apo toropito yake Mwari inorira kwazvo Inotaura kune vese kuti uyai, Tese tinobvira kuenda iyo hakusari munhu Nemazita edu achazodaidzwa.
Chorus
Kuti ndodaidzwa ndiye Kuti ndodaidzwa ndiye Kuti ndodaidzwa ndiye Kuti ndodaidzwa ndiye ndovayo
2
Asi hatizivi musi uyo tichadanwa naiye, Ndizvo ngatigadzirire zvino pano Tirindire uyo musi, tizonatsa kuenda iko, Nemazita edu achazodaidzwa.
3
Ngatibate basa redu nemasimba misi yese, Ngatitaure zvishamiso zvake zvese, Tichiita zvakanaka kune vanhu wese wese, Nemazita edu achazodaidwza.
4
Asi isu veMakristu hatizotyi kuenda iko, Mwari ndiye Baba wedu wakanaka, Jesu Kristu ndishamwari ndiye anotonga wese, Nemazita edu achazodaidzwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.