Bhaibheri

Kune Nzvimbo Yakanaka

UMC Nziyo 286

1

Kune nzvimbo yakanaka Kuchaenda vanotenda, Havachazoparadzani kuti vaayo Tinogadzirira zvino, Tinogara nekugara tisongane.

Chorus

Tisongane tisongane Kune muti weupenyu tisongane, Apo tinotama pasi diko tinoenda iyo Hatichapetuki hama tisongane.

2

Pasi pano handi pedu, Handi musha wedu kwete, Kune musha wedu uri kumusoro; Kwekufara nekufara, Hakuchina dima iko, Ngativambe kuenda iko, tisongane.

3

Uko tinoziva zvinhu Zvatisingazivi pano, Tinokura mukuziva neungwaru, Tinofambirana iko, Tinofarirana iko, Ngatiende iko, hama, tisongane.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.