Kudenga Kwakanaka
UMC Nziyo 288
1
Kudenga kwakanaka kupinda pasi pano M'ponesi wedu anogara iyo, Ari kutidzidzira kuti tizogadzirira Nge'yo nzvimbo yedu yakanaka.
Chorus
Tizowona M'ponesi tizomuchingamidza Tizogara naye nekusingaperi, Tizowona M'ponesi tizomuchingamidza Tizogara naye nekusingaperi.
2
Kum'soro kwakanaka, hakuna chakaipa, Ruriyo rwizi rweupenyu iyo, Jesu Kristu, Mambo weyo, ane dendemaro rake Asi vanhu vese vanomuwombera.
3
Rugaro rwake Mwari, runotitaurira, Runakiso rweyo rwakakomba, Runopinda zviro zvese, runopinda kutondera, Rwakagadzirirwa vanhu vakanaka.
4
Makwanza ayo ese aitwa nendarama, Misivo yese yakanakisisa, Ukuri ndehwemahwe, akanaka, anokosha, Zviro zvese zvinopenya nekubaka.
5
Zvizhinji zvakanaka zvagadzirirwa avo Vagara zvakanaka pasi pano, Mwari anotida kwazvo, tinokomborerwa naye, Ndizvo ngatigadzirire kuenda iyo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.