Pasi Pese Nematenga
UMC Nziyo 30
1
Pasi pese nematenga Zvakasikwa ndiJehova Anoda kuti vana vose Tive vanofara Ndichiri pano pasi Ndinofara zvirokwazvo Kuona zvose zvasikwa Ndi'She samasimba.
2
Pasi pese nematenga Zvakasikwa naJehova Neshiri dzose dzinoimba Zvishamiso zvake. Ndichiri pasi pano Ndinofara zvirokwazvo Kuona zvose zvakasikwa NaShe Samasimba.
3
Pasi pese nematenga Zvakasikwa naJehova. Ini handichazomukangwanwi Muchengeti wangu, Ndichiri pasi pano Ndinofara zvirokwazvo; Jehova akasika vanhu NaShe wekudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.