Ngatifambe Tese
UMC Nziyo 303
1
Ngatifambe tese paupenyu hwedu Tinotungamirwa nem'chinjiko wake, Kristu Tenzi wedu anoendaa nesu Famabai kune hondo fambai imi mose.
Chorus
Fambai mese fambai, ngatifambe pamwe Tinotungamirwa nem'chinjiko wake.
2
Vanhu vachazofa nevamambo vese, Asi Chechi yedu inokura kwazvo; Inofanza kure kune nyika dzese, Tinevo chitsidzo, hachitadzi kwete.
3
Toenda sehondo, Chechi tsvene yedu, Inofamba shure kwevatsvene iyo; Hatipandaniswi, tiri pamwe tese, Tine rudo rumwe nerutendo rumwe.
4
Ndizvozvo fambayi, vanhu kwavo vese, Ngatiimbe rwiyo rwerukundo rwedu, Mbiri nerukundo kuna Jesu Kristu, Ndiye Mambo wedu, ndiye Mwari wedi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.