Bhaibheri

O Jesu Muri Nheyo

UMC Nziyo 305

1

O Jesu muri nheyo yechechi yenyu kwese Chisikwa chenyu chitsva cheizwi renyu imi, 'Zvo imi makadzika kofira chechi yenyu Muchibva maitenga neropa rinokosha.

2

Marudzi ese ese anoda chechi imwe YaTenzi umwe chete nerudaviro rumwe Muzita rinoyera obarwa patsva ese Nekudya chidyo chimwe semhuri yenyu imwe.

3

Yomira zvino chechi kuwona runyararo Mushure mebopoto rekurwa nezvitadzo, 'Po runyararo rwega rwotonga chechi yenyu, Yakunda nhamo dzese nembiri yenyu huru.

4

NdiMwari muri Umwe Vatatu pamwe chete, Munochengeta vese vatendi kuti vafa, Dai isu tazoita sevamwe vakakunda Tichazogara nemi seavo vanotenda.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.