Bhaibheri

Jesu Wakaita Tsitsi

UMC Nziyo 312

1

Jesu wakaita tsitsi nekufira tese Wakamuka zvemukufa kuti tiponeswe.

2

Navo vanhu vake vese vakafira isu, Mutirongo nekurohwa, isi mhosva yavo.

3

Zvino ivo vari pamwe naye Jesu Kristu Vakapedza basa ravo, paupenyu pasi.

4

Kuti tichidaro nhasi, tichifira hama; Sezvo ivo vakatanga, tichafadza Mwari.

5

Zvino ngatigadzirire kufirawo hama Sezvo ivo vakaita, ngatiedze tese.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.