Bhaibheri

Kristu Anodisa Vanhu

UMC Nziyo 315

1

Kristu anodisa vanhu Anodaidzira vese, Vakaipa ngavauye Navo vasisina simba.

Chorus

Taurai vese taurai vese Kristu anodisa vese, Taurai vese kuti vanzwe Kristu anodisa vese.

2

Izwi rake riri idi, Rinogara nekugara, Ndinonatsa kuchengeta Mazwi ake eupenyu.

3

Kana uyo aine shai, Ngaauye kuna Jesu, Ndiye basi ane simba Rekubvisa nemashai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.