Bhaibheri

Dzidzisayi Vadzidzisi

UMC Nziyo 318

1

Dzidzisayi vadzidzisi Imi vanhu vake, Mudzidzise izwi rake Kune nyika dzese.

2

Izwi rake, Tenzi, Jesu Ngarisvike muno, Ngarikwane nyika dzedu Kune nzvimbo dzese.

3

Vadzidzisi, dzidzisayi Vanhu vake, izwi Ngarinzwiwe dama rake Navo vanhu vese.

4

Idi rezwi rake, Jesu Ngarisvike kure Kune nyika dzese dzese, Ngarifanze iyo.

5

Hunde, nyika dziri kure Ngadzizive iro, Dzitarire kunaJesu Dzichitenda iye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.