Bhaibheri

Panyika Dziri Kure

UMC Nziyo 320

1

Panyika dziri kure Kuchando zvirokwazvo, Nenyika dziri padyo Kupisa basibasi. Panyika dzemakomo Nedzimwe dzemikana, Vanoti "Uyai hama Tinoda Mwari wedu."

2

Jehova wakanaka Kudisa vanhu vese, Anopa mvura yavo Nezuva nezvekudya, Nezvisimiro zvavo Nenyama pamakomo Vapiwa izvi zvese; Havamutendi, Mwari.

3

Makristu, tiri pano, Taziva ruponeso, Tonyima ivo here, Upenyu hwedu hutsva? Mashoko akanaka, Ngaatumwe kune vese Dakara vanhu vese Vazive Mwari wedi.

4

Mabasa edu tese Kugara zvakanaka Nekubatsira avo Vasikazivi Mwari, Dakara Jesu Kristu Adzikezve panyika, Kutonga vanhu vese, Kuita Mambo wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.