Baba Makatipa Uyu Mwana
UMC Nziyo 326
1
Baba makatipa uyu mwana Tinotenda tinofara kwazvo, Tinomuremedza imi chete Tinomupa kuva mwana wenyu.
2
Tinomuda kuti amukudze, Amuteerere nguva dzese, Abatsire avo vanoshaya, Ave munhu wakanaka kwazvo.
3
Baba wedu, tinomukumbira Kuti mweya wake uchiramba Uchikura kufanana nemi, Achizobatsira vanhu vedu.
4
Baba, mumupewo zano guru, Kuti ashandire chechi yenyu, Chechi izokura zvakanaka, Vanhu venyu vachizoponeswa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.