Izvo Ndinouya Pano
UMC Nziyo 328
1
Izvo ndinouya pano Kune chidyo chaM'ponesi, Mwoyo wangu unotenda kuti Jesu ndiye Mwari.
2
Rudo rwake rwakakomba, Wakasiya Baba wake, Akauya pasi pano, Kunditora kune denga.
3
Jesu wakawona nyika, Saka azondiponesa, Jesu wakandidireyi? Handinakunaka ini
4
Dai ndiine zviro zvese, Izvi zvipo hazvikwani, Ndinomupa mwoyo wangu Nemuviri neupenyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.