Kuteerera
UMC Nziyo 344
1
Apo tinofamba muizwi raBaba Imbirai toona munzira, Kuti tinomuda nesu anogara Vese vanomuteerera.
Chorus
Kuteerera Ndiyo basi nzira, Kufara kuna Jesu Asi kuteerera.
2
Hakuna urombo, hunotitambudza, Asi Jesu anohudzinga Kana kupokana, misodzi nekutya, Hazvigari nekusimbira
3
Hakuna mutoro, hakuna urombo, Asi anotidzokesera Hakuna kushaya, kana kutambudzwa, Tinowana nekusimbira
4
Asi hatiwone, kufara kwerudo, Dakara zvese tinomupa; Nekuti anopa, kufara nerudo, Kuna ivo vanosimbira.
5
Ndizvo pamwe tese, tinogara naye, Kana kufamba naye m'nzira; Isu tichaita, mazwi ake ese, Kuterera nekusimbira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.