Bhaibheri

Vapwere Vakanaka

UMC Nziyo 346

1

Vapwere vakanaka vapiwa basa ravo Vapiwa naM'ponesi, shamwari yavo kwayo, Anoda kuti vana vanojekesa pasi Kuvenekera misha, kufadza vanhu vese.

Chorus

Toimba nziyo dzedu Togara zvakanaka, Kufadza madzibaba Nekuda vadzimai.

2

Rujeko rwevabereki rwatuma pasi pano Kudzinga dima rese, nekusainzwanazve; Kutungamira vese murudo nerufaro, Nekuwonesa nzira kumusoro kune denga.

3

Jehova wakadisa vakuru pasi pano, Watuma isu vana kufadza mwoyo yavo; Takabva kune denga, panzvimbo yakanaka, Tinova nemashoko, nebasa rakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.