Baba Muri Rudo
UMC Nziyo 37
1
Baba muri rudo, munotida tese Muri mwakaruramisa kune vanhu vese, Munotipa zuva nerutonhorero Neusiku hunouya kuti tizorore
2
Munotichengeta kuti takarara, Muchinatsa kutimutsa mangwanani ese; Nedzi pfuma dzedu tinopiwa nemi, Hatingadziwani, kwete, tisapiwa nemi.
3
Makatuma Jesu, murumbwana wenyu, Kuti atisunungure pakusungwa kwedu; Baba mune rudo, muri kwese kwese, Muri muchengeti wedu, munokotsa tese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.