Bhaibheri

O Mwari, Muri Zuva Rangu

UMC Nziyo 39

1

O Mwari muri zuva rangu Munodziisa mwoyo yese, Munonakisa vanhu venyu Munokurisa mweya yavo.

2

Takafanira kumukudza Nekutisika makaita Mukakohomedzesa kuti, "Mokomborerwa zvirokwazvo."

3

Kunemi dima hakuchina, Kune kupenya chete, Baba, Isu toganza nemi chete, Kutiponesa misi yese.

4

Wonai varombo kwese kwese, Ngavapfumiswe nemi, Baba, Nevanorwara ngavarapwe Nemwoyo yese inoneta.

5

Ivai Jehova wangu, Baba Fambai panzira dzangu dzese, Nepausiku garai neni Kuti ndisatye kufa kwangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.