Bhaibheri

Jehova Ngaakudzwe

UMC Nziyo 41

1

Jehova ngaakudzwe ngevanhu vese kwese Ngekuti wakanaka ngekuti anotida, Jehova anotonga kufamba kwenyeredzi Nezvese zvekudenga ngekuti ane simba.

2

Jehova anodisa zvisikwa zvake zvese, Anoda kuti vanhu vamude zvirokwazvo; Jehova anodisa vatendi kwese kwese, Nekuvakomborera muzvinhu zvakanaka.

3

Jehova haafare kuwona vanhu vake Vagere mune rima, kupinda chiedza Jehova ane mwoyo wetsitsi kune vese, Haadi kuti umwe araswe kune rufo.

4

Ndizvozvo wakatuma M'ponesi pasi pano, Kusunungura avo vanoda kupinduka; Ndizvozvo ngatimude, tikudze zita rake, Jehova Baba wedu, neMuchengeti wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.