Bhaibheri

Kare Kwakamira Danga

UMC Nziyo 57

1

Kare kwakamira danga Mumusha waDavidi, Umo mai vakaisa Kamwana mune mombe. Maria ndiye mai Jesu Kristu kamwana.

2

Wakasiya mbiri yake, Mwari wedu, naTenzi, Wakabarwa pasi pano Mudanga rezvipfuyo. Wona; M'ponesi wedu Wakagara muurombo.

3

Pahuduku hwake hwese Wakadisa Maria; Misi yese wakamunzwa Uyo wakamurera. Imi vana yedzayi Kufanana naye.

4

Wakapa muyenzaniso Werugaro kunesu, Waichema, waiseka Wayiyita sesuwo Anosangana nesu Munhamo nekufara.

5

Pakuguma tichaona Iye Mambo werudo; Uyo Mwana wakatiwa Ari Mwari mukuru. Kuti tichitewera Tichasvika Kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.