Bhaibheri

Nyeredzi, Iwe Wopfuura Dzese

UMC Nziyo 59

1

Nyeredzi, iwe wopfuura dzose Tivhenekere murima redu, Wounza zuva chiedza chavose Tiperekedze kumwana Jesu.

2

Vamuradzika pakati pedanga, Kwanga kusina ugaro nesu; Zvino vatumwa vakabva kudenga, Vakazokudza 'She wavo Jesu.

3

Isu tichandomukudzawo neiko? Angafadzwa nepfuma yeiko? Ko tingaunze zvinofadza vanhu, Zvose zvangova zvinokoshesa!

4

Izvozvo zvose hazvina mubato, Ha'ngafadzwi nezvipo zvakadai Chinofadza pameso aJesu, Ndokumukudza nomwoyo kudai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.