Bhaibheri

Jesu Wakadzika Pasi

UMC Nziyo 64

1

Jesu wakadzika pasi kuwonesa Mwari Wakateerera Baba, wakazvirereka.

2

Kushandira vamwe kunotisimudza, Hakudukupisi vanhu, kunotikudzisa.

3

Jesu wakapinda vese nekushanda kwake; Wakapinda vanhu vese nehukuru hwake.

4

Jesu wakavashandira vaienda naye, Kudzidzisa kuti isu tizoshandirane.

5

Ndizvo isu ngatiite saM'ponesi wedu, Kuti tidise vamwe, nekuvabatsira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.