Bhaibheri

Kristu Tenzi Wamuka

UMC Nziyo 82

1

Kristu Tenzi wamuka Haleluya! Ingirozi dzinoimba Haleluya! vanhu vanopinduravo Haleluya! Vese vachiimba pamwe Haleluya!

2

Jesu wakamuka Mambo, Haleluya! Wakapedza basa rake, Haleluya! Wakakunda guva rake, Haleluya! Wakatikundira rufo, Haleluya!

3

Guva harichina simba, Haleluya! Dombo rakamburumbudzwa, Haleluya! Kristu wakabuda umo, Haleluya! Wakakwira denga rake, Haleluya!

4

Zvino tinotenda kwazvo, Haleluya! Kuti nesu tichamuka, Haleluya! Takasikwa kunga iye, Haleluya! Tinomutswa zvakadaro, Haleluya!

5

Kristu Tenzi wakamuka, Haleluya! Wakakunda kufa kwake, Haleluya! Wakakwira kune denga, Haleluya! Anogara kunaBaba, Haleluya!

6

Vanhu vese ngavaimbe, Haleluya! Ngavapururudze Mambo, Haleluya! Ndiye wakatiunzira, Haleluya! Ruponeso rwakakomba, Haleluya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.