Nekumuka Kwake
UMC Nziyo 87
1
Nekumuka Kwake Kristu wakurira, Pasi raponiswa Ndiye Mambo wedu. Hondo dzengirozi Dziri kufarira, Dzamuwirikidza Dzayimba haleluya.
2
Uyo wakazvipa Kare pam'chinjiko, Ndiye Paska yedu Nyenye yakachena Wakafira isu, Zvino ane mbiri Tese tinofara, Tiimbe Haleluya.
3
Uyo wakafira Isu vanhu wake, Zvino Muponesi Ane simba rese; Mambo wevamambo, Anotonga vese Ngatimukudze Tiimbe Haleluya.
4
Ndiye wadzorera Varasiki vese, Vanyangadzi ndiye Vangasunungurwe; Paska yedu iwe Tichenure tese, Tikukudze Kristu Tiimbe Haleluya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.