1 Johani 1
1 John 1 · 10 verses
1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu
2(vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);
3Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidzai vo, kuti nemi vo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.
4Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.
6Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi;
7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
8Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haizi matiri.
9Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.
10Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.