Bhaibheri

2 Petro 3

2 Peter 3 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Vadikanwa, iyi ndiyo mwadhi yechipiri yandinokunyorerai zvino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichiku yevudzirai;

2kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa navaapostora venyu;

3pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachavuya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo,

4vachiti: Chipikirwa chokuvuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.

5Nokuti vanokanganwa nobwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;

6nazvo nyika, yaivapo nguva iyo. Yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.

7Asi denga riripo zvino nenyika zvakavigirwa moto neshoko ireri zvinochengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.

8Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.

9Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vasvike pakutendevuka.

10Asi zuva raShe richavuya sembavha; vusiku naro denga richapfuvura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.

11Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari,

12imi munotarira nokushuva vo kwazvo kuvuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.

13Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.

14Saka vadikanwa, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruvara, musinemhosva;

15muchiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyorerai vo nokuchenjera kwaakapiwa;

16sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino minamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.

17Naizvozvo imi vadikanwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.

18Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingeperi. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.