Bhaibheri

1 Johani 3

1 John 3 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Tarirai kukura kworudo rwa takaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari; ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.

2Vadikanwa, zvino tiri vana vaMwari, vuye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.

3Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaakachena iye.

4Mumwe nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.

5Munoziva kuti iye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.

6Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana kumuvona kana kumuziva.

7Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama.

8Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDiaborosi.

9Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari.

10Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiye vo usingadi hama yake.

11Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;

12tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.

13Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.

14Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu.

15Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayi unovupenyu bwusingaperi bwugere maari.

16Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa vupenyu bwake; nesu vo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.

17Asi kana munhu anefuma yenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?

18Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.

19Ndizvo zvatichaziva nazvo kuti tiri vezvokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumoyo yedu, unoziva zvose.

20nokuti kana mnoyo yedu icitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.

21Vadikanwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari;

22vuye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.

23Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, vuye tidane, sezvaakatiraira.

24Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.