1 Johani 4
1 John 4 · 21 verses
1Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
2Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu wakavuya munyama, ndowaMwari.
3Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.
4Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika.
5Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa.
6Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wazvokwadi, nomweya wokutsauka.
7Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari.
8Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
9Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive novupenyu naye.
10Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
11Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu vo tinofanira kudana.
12Hakuno munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
13Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvoMweya wake.
14Isu takavona, vuye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.
15Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye munaMwari.
16Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu, Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; unogara murudo, unogara munaMwari, naMwari maari.
17Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaita vo panyika ino.
18Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo.
19Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.
20Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona?
21Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaade vo hama yake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.