Bhaibheri

1 Petro 1

1 Peter 1 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Petro, muapostora waJesu Kristu, kunavakasanangurwa vari vaeni, vakapararira paPonto, neGaratia, neKapadhokia, neAsia, neBitinia,

2vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muvutsvene bwoMweya, kuti vaterere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri.

3Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatibereka zve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inovuya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,

4kuti tive nenhaka isingavori, isinakusvibiswa, isingasvavi yamakachengeterwa kudenga,

5imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira.

6Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji;

7kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvura ndarama inopera hayo, kunyange ichiidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;

8iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya;

9muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu,

10Ndirwo ruponeso rwomweya yenyu.Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita, zvenyasha dzamaizoitirwa imi,

11vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.

12Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Evhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvicherekedza.

13Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;

14muve savana vanoterera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu;

15asi saiye mutsvene wakakudanai, nemi vo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose;

16nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene,

17Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya;

18muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinovora, nesirivheri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu;

19asi neropa raKristu, seregwaiana risina charingapomerwa, risinoruvara;

20iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu,

21imi, munotenda naye kunaMwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kunaMwari.

22Zvamakanatsa mweya yenyu muchiterera zvokwadi Mumweya, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomoyo wose;

23nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.

24Nokuti, Nyama yose yakaita sovuswa, Nokunaka kwose seruva rovuswa, Vuswa bwunosvava, neruva rinowira pasi;

25Asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.