Bhaibheri

1 Petro 2

1 Peter 2 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose,

2savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;

3kana makaravira kuti Ishe unomoyo munyoro.

4Vuyai kwaari, iye ibwe benyu, rakarashwa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.

5Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPirisita vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.

6Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.

7Asi kwamuri imi munotenda, unokosha asi kuna vasingateereri, ibwe rakarabwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona.

8vuye Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza; Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havaritereri; ndizvo zvavakaisirwa vo.

9Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuPirisita bwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa.

10Imi kare makanga musi vanhu, asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.

11Vadikanwa, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya;

12mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka.

13Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;

14kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, vuye arumbidze vanoita zvakanaka.

15Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi;

16savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.

17Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.

18Varanda, tererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kunavakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakarurama vo.

19Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari. Achitambudzika asinemhosva.

20Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari.

21Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikirai vo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;

22iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuvonekwa mumuromo make;

23iye wakati achitukwa, haanakutuka zve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama;

24iye wakatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.

25Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.