1 VaKorinde 4
1 Corinthians 4 · 21 verses
1Munhu upi noupi ngaarangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu.vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
3Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene.
4Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi unonditonga ndiye’She.
5Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.
6Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuvura izvo zvakanyorwa, kuti mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.
7Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
8Matoguta, matofuma, mabata vushe kunze kwedu; dai maibata vushe henyu, kuti isu tibate vo pamwe chete nemi.
9Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vaapostora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.
10Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
11Kusikira nguva ino isu tinenzara, tinenyota, hatina chatingafuka, tinorobwa netsiva, hatinenzvimbo kwayo yokugara;
12tinotambudzika, tichibata namavoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga moyo;
13kana tichipomerwa, tinovaraidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
14Handikunyoreriyi zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei savana vangu vanodikanwa.
15Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vanezvuru zvinegumi munaKristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuberekai neEvhangeri.
16Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.
17Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikanwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, se zvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
18Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti sokuti handingavuyi kwamuri.
19Ndichakurumidza kuvuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.
20Nokuti vushe bwaMwari habwuzi pamashoko, asi pasimba.
21Munotsvakeiko? Ndivuye kwamuri neshamhu, kana norudo nomweya wovuyoro here?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.