1 VaKorinde 3
1 Corinthians 3 · 23 verses
1Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokunavoMweya, asi sokunavenyama, sokunavacheche munaKristu.
2Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.
3Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here?
4Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here?
5Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo.
6Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.
7Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza' asi Mwari unomeresa.
8Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata.
9Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
11Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
12Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;
13basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
14Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.
15Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
16Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, vuye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here?
17Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadzira vo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.
18Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
19Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo.
20Vuye zve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo.
21Naizvozvongakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu;
22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu;
23imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.