1 VaKorinde 6
1 Corinthians 6 · 20 verses
1Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kunavasakarurama, akasamukwirira kunavatsvene here?
2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno!
4Zvino kana munemhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
5Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here?
6Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
7Zvino matova nemosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?
8Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama.
9Ko hamuzivi kuti vasakarama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
10kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari.
11Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.
12Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.
13Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri;
14Mwari wakamutsa Ishe, vuye uchatimutsa isu nesimba rake.
15Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here
16hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe.
17Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye.
18Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake.
19Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;
20nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu vuye mumweya yenyu iri yaMwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.