1 VaKorinde 7
1 Corinthians 7 · 40 verses
1Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.
2Asi nokuda kwovupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.
3Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadaro vo kumurume.
4Mukadzi haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvo vo murume haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.
5Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokuzvinyima zvokudya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
6Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarairi.
7Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe unechipiwa chake, chinobva kunaMwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.
8Asi ndinoti kunavasina kuwana,, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.
9Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zvirinani kuti vawane pakutsva.
10Zvino vakawana ndinovaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
11(kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomumrume wake)
12Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.
13Nomukadzi unomurume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake,
14nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
15Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana ari murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare.
16Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako?Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?
17Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
18Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa usakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
19Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
20Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako.
21Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asi kana ungasunungurwa, zvirinani kuti udaro hako.
22Nokuti wakadanwa munaShe, ari muranda, wava musunungurwa waShe; saizvozvo vo, wakadanwa akasununguka, wava muranda waKristu.
23Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.
24Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo.
25Zvino, pamusoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naShe kuti ave wakatendeka.
26Naizvozvo ndinoti nokuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.
27Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here?.
28Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
29Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vanavakadzi vave savasina;
30navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasinechinhu;
31navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuvura.
32Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.
33Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei.
34Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.
35Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, vuye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.
36Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
37Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.
38Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nosingamuwanisi, unoita zvinopfuvura nokunaka.
39Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.
40Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neni vo ndinoMweya waMwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.