1 VaTesaronika 5
1 Thessalonians 5 · 28 verses
1Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu;
2nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.
3Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.
4Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
5Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vovusiku, kana verima.
6Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinure.
7Nokuti vanovata, vanovata vusiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa vusiku.
8Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso.
9Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naShe wedu Jesu Kristu,
10wakatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwe chete naye.
11Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita.
12Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai;
13muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.
14Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingatereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose.
15Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokunavose.
16Farai nguva dzose.
17Rambai muchinyengetera.
18Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu.
19Musadzima Mweya;
20musazvidza zvinoprofitwa;
21idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;
22regai marudzi ose ezvakaipa.
23Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu.
24wakatendeka ndiye unokudanai, uchazviita vo.
25Hama dzangu tinyengetererei.
26Kwazisai hama dzose nokusveta kutsvene.
27Ndinokupikirai naShe, kuti mwadhi iyi iverengerwe hama tsvene dzose.
28Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.