1 VaTesaronika 4
1 Thessalonians 4 · 18 verses
1Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutovo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofamba vo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvo.
2Nokuti munoziva mirairo yatakakupai, naShe Jesu.
3Nokuti kuda kwaMwari ndibwo vutsvene bwenyu, murege vupombwe;
4kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake novutsvene nokukudzwa,
5asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari;
6munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuvudzai vo nokukupupurirai kwazvo.
7Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi muvutsvene.
8Naizvozvo unoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, unokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.
9Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane;
10nokuti ndizvovo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia, yose asi tinokurairai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;
11Shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibate basa namavoko enyu, sezvatakakurairai;
12kuti mufambe nomutovo wakafanira kuna vari kunze, musingashaiwi chinhu.
13Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasinetariro.
14Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamuka zve, saizvozvo vo avo vakavata munaJesu, Mwari uchavavuyisa pamwe chete naye.
15Nokuti tinokuvudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuvuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata.
16Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;
17zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.
18Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.