Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwerete kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.Now there cried a certain woman of the wives of the sons of the prophets unto Elisha, saying, Thy servant my husband is dead; and thou knowest that thy servant did fear the LORD: and the creditor is come to take unto him my two sons to be bondmen.
Erisha akati kwaari, Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako? Iye akati, Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.And Elisha said unto her, What shall I do for thee? tell me, what hast thou in the house? And she said, Thine handmaid hath not any thing in the house, save a pot of oil.
Ipapo akati, Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.Then he said, Go, borrow thee vessels abroad of all thy neighbours, even empty vessels; borrow not a few.
Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi.And when thou art come in, thou shalt shut the door upon thee and upon thy sons, and shalt pour out into all those vessels, and thou shalt set aside that which is full.
Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.So she went from him, and shut the door upon her and upon her sons, who brought the vessels to her; and she poured out.
Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, Ndipezve mumwe mudziyo. Iye akati kwaari, Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo.And it came to pass, when the vessels were full, that she said unto her son, Bring me yet a vessel. And he said unto her, There is not a vessel more. And the oil stayed.
Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwerete chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako.Then she came and told the man of God. And he said, Go, sell the oil, and pay thy debt, and live thou and thy children of the rest.
Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.And it fell on a day, that Elisha passed to Shunem, where was a great woman; and she constrained him to eat bread. And so it was, that as oft as he passed by, he turned in thither to eat bread.
Akati kumurume wake, Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.And she said unto her husband, Behold now, I perceive that this is an holy man of God, which passeth by us continually.
Ngativake kamuri duku pamusoro porusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo.Let us make a little chamber, I pray thee, on the wall; and let us set for him there a bed, and a table, and a stool, and a candlestick: and it shall be, when he cometh to us, that he shall turn in thither.
Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.And it fell on a day, that he came thither, and he turned into the chamber, and lay there.
Akati kuna Gehazi muranda wake, Dana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.And he said to Gehazi his servant, Call this Shunammite. And when he had called her, she stood before him.
Akati kwaari, Chitaura kwaari zvino, uti `Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here?' Iye akapindura, akati, Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.And he said unto him, Say now unto her, Behold, thou hast been careful for us with all this care; what is to be done for thee? wouldest thou be spoken for to the king, or to the captain of the host? And she answered, I dwell among mine own people.
Akati, Zvino tingamuitireiko? Gehazi akapindura, akati, Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura.And he said, What then is to be done for her? And Gehazi answered, Verily she hath no child, and her husband is old.
Iye akati, Mudane. Wakati amudana, iye akamira pamukova.And he said, Call her. And when he had called her, she stood in the door.
Akati, Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana. Iye akati, Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu.And he said, About this season, according to the time of life, thou shalt embrace a son. And she said, Nay, my lord, thou man of God, do not lie unto thine handmaid.
Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.And the woman conceived, and bare a son at that season that Elisha had said unto her, according to the time of life.
Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.And when the child was grown, it fell on a day, that he went out to his father to the reapers.
Akati kuna baba vake, Musoro wangu, musoro wangu! Ivo vakati kumuranda, Mubereke uende naye kuna mai vake.And he said unto his father, My head, my head. And he said to a lad, Carry him to his mother.
Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.And when he had taken him, and brought him to his mother, he sat on her knees till noon, and then died.
Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.And she went up, and laid him on the bed of the man of God, and shut the door upon him, and went out.
Akadana murume wake, akati, Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve.And she called unto her husband, and said, Send me, I pray thee, one of the young men, and one of the asses, that I may run to the man of God, and come again.
Iye akati, Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomwedzi, kana Sabata. Iye akati, Hazvine mhosva.And he said, Wherefore wilt thou go to him to day? it is neither new moon, nor sabbath. And she said, It shall be well.
Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.Then she saddled an ass, and said to her servant, Drive, and go forward; slack not thy riding for me, except I bid thee.
Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, Tarira hoyo mukadzi muShunemi.So she went and came unto the man of God to mount Carmel. And it came to pass, when the man of God saw her afar off, that he said to Gehazi his servant, Behold, yonder is that Shunammite:
Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, `Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here?' Iye akapindura, akati, Haiwa, takafara hedu!Run now, I pray thee, to meet her, and say unto her, Is it well with thee? is it well with thy husband? is it well with the child? And she answered, It is well.
Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.And when she came to the man of God to the hill, she caught him by the feet: but Gehazi came near to thrust her away. And the man of God said, Let her alone; for her soul is vexed within her: and the LORD hath hid it from me, and hath not told me.
Ipapo iye akati, Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?Then she said, Did I desire a son of my lord? did I not say, Do not deceive me?
Ipapo akati kuna Gehazi, Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.Then he said to Gehazi, Gird up thy loins, and take my staff in thine hand, and go thy way: if thou meet any man, salute him not; and if any salute thee, answer him not again: and lay my staff upon the face of the child.
Zvino mai vomwana vakati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Akasimuka, akamutevera.And the mother of the child said, As the LORD liveth, and as thy soul liveth, I will not leave thee. And he arose, and followed her.
Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, Mwana haana kupepuka.And Gehazi passed on before them, and laid the staff upon the face of the child; but there was neither voice, nor hearing. Wherefore he went again to meet him, and told him, saying, The child is not awaked.
Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.And when Elisha was come into the house, behold, the child was dead, and laid upon his bed.
Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.He went in therefore, and shut the door upon them twain, and prayed unto the LORD.
Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.And he went up, and lay upon the child, and put his mouth upon his mouth, and his eyes upon his eyes, and his hands upon his hands: and he stretched himself upon the child; and the flesh of the child waxed warm.
Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.Then he returned, and walked in the house to and fro; and went up, and stretched himself upon him: and the child sneezed seven times, and the child opened his eyes.
Ipapo akadana Gehazi, akati, Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, Simudza mwanakomana wako.And he called Gehazi, and said, Call this Shunammite. So he called her. And when she was come in unto him, he said, Take up thy son.
Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda.Then she went in, and fell at his feet, and bowed herself to the ground, and took up her son, and went out.
Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.And Elisha came again to Gilgal: and there was a dearth in the land; and the sons of the prophets were sitting before him: and he said unto his servant, Set on the great pot, and seethe pottage for the sons of the prophets.
Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.And one went out into the field to gather herbs, and found a wild vine, and gathered thereof wild gourds his lap full, and came and shred them into the pot of pottage: for they knew them not.
Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, Munhu waMwari, rufu ruri muhari. Vakasagona kuzvidya.So they poured out for the men to eat. And it came to pass, as they were eating of the pottage, that they cried out, and said, O thou man of God, there is death in the pot. And they could not eat thereof.
Asi iye akati, Uyai noupfu. Akahudira muhari, akati, Chipakurai henyu, vanhu vadye. Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari.But he said, Then bring meal. And he cast it into the pot; and he said, Pour out for the people, that they may eat. And there was no harm in the pot.
Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, Ipai vanhu, vadye.And there came a man from Baal-shalisha, and brought the man of God bread of the firstfruits, twenty loaves of barley, and full ears of corn in the husk thereof. And he said, Give unto the people, that they may eat.
Muranda wake akati, Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko? Asi iye akati, Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, `Vachadya, vakasiya zvimwe.'And his servitor said, What, should I set this before an hundred men? He said again, Give the people, that they may eat: for thus saith the LORD, They shall eat, and shall leave thereof.
Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.So he set it before them, and they did eat, and left thereof, according to the word of the LORD.