2 Madzimambo 5
2 Kings 5 · 27 verses
1Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi.
2Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa.
3Akati kuna tenzikadzi wake, Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake.
4Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.
5Mambo weSiria akati, Enda, ndinoda kutuma mwadhi kuna mambo waIsiraeri. Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.
6Akaenda nemwadhi kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
7Zvino mambo waIsiraeri wakati arava mwadhi iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.
8Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.
9Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.
10Erisha akatuma nhume kwaari, akati, Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.
11Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi.
12Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here? Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
13Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, `Shamba, uve wakanaka?'
14Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
15Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.
16Asi iye akati, NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
17Zvino Naamani akati, Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
18Asi Jehovha ngaakanganwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakaganwire muranda wake pachinhu ichi.
19Akati kwaari, Enda hako nomufaro. Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.
20Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.
21Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, Makafara henyu mose here?
22Iye akati, Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, `Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.'
23Naamani akati, Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri. Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake
24Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.
25Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, Wabvepiko, Gehazi? Iye akati, Muranda wenyu wakanga achingova pano hake.
26Iye akati kwaari, moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
27Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi. Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.