2 VaTesaronika 2
2 Thessalonians 2 · 17 verses
1Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari;
2kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu,kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana nemwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika;
3ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
4iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.
5Hamurangariri here kuti ndichiri kwamuri, ndakakuvudzai izvozvi?
6Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake.
7Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa.
8Ipapo iye usakarurama uchavonekwa, iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kwokuvuya kwake;
9kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,
10nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
11Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema,
12kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe.
13Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muvutsvene bwoMweya nokutenda zvokwadi.
14Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.
15Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu.
16Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka,
17ngavavaraidze moyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.