Bhaibheri

2 VaTesaronika 3

2 Thessalonians 3 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raShe ripfuvure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyu vo;

2vuye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.

3Asi Ishe ndiye wakatendeka, uchakusimbisai, nokukuchengetai kunowakaipa.

4Tinokutendai munaShe, kuti munoita, vuye mucharamba muchiita,izvo zvatinokurairai.

5Ishe ngaaruramise moyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.

6Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingatereri mirairo yamakapiwa nesu;

7nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;

8hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa vusiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;

9hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.

10Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti kana munhu achiramba kubate-basa, ngaarege kudya vo.

11Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.

12Vanhu vakadaro tinovaraira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara vadye zvokudya zvavo zvimene.

13Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.

14Kana panomunhu usingatereri shoko redu remwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwiswe.

15Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumuraire sehama.

16Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitovo yose. Ishe ngaave nemi mose.

17Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu, ndicho chiratidzo pamwadhi dzose; ndinonyora kudai,

18Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.