Bhaibheri

Amosi 9

Amos 9 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.

2Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.

3Kunyange vakandovanda pamusoro peKarimeri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyange vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.

4Kunyange vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo, ndicharinzira meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka.

5Nokuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweIjipiti;

6ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.

7Nhai, imi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?

8Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakobho ndizvo zvinotaura Jehovha.

9Nokuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyange zvakadaro tsanga imwe dukuduku haingawiri pasi.

10Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurawa nomunondo,

11Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;

12kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.

13Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.

14Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.

15Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa, ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.