Bhaibheri

Obhadhia 1

Obadiah 1 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvakaonekwa naObhadhiya. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro paEdhomu, Takanzwa mashoko akabva kuna Jehovha, nhume yatumwa pakati pamarudzi ichiti, `Simukai, ngativamukire kuzorwa navo.'

2Tarirai, ndakakuitai vaduku pakati pamarudzi, makazvidzwa kwazvo.

3Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munougaro hwakakwirira, vanoti mumwoyo yavo, `Ndianiko ungatiwisira pasi?'

4Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.

5Dai mbavha dzaisvika kwamuri, kana makororo usiku (aiwa, makaparadzwa sei!) havazaiba kusvikira varinganiswa here? Dai vatanhi vamazambiringa vaisvika kwamuri, havazaisiya mamwe mazambiringa aripo here?

6Zvinhu zvaEsau zvakanzverwa sei! fuma yavo, yakavanzwa, yakafukunurwa sei!

7Vanhu vose vaiva nesungano nemi, vakakuperekedzai kusvikira kumuganho; vanhu, vaigara norugare nemi, vakakunyengerai, vakakukundai; vanodya zvokudya zvenyu, vanokuteyerai musungo pasi penyu, havana njere mukati mavo.

8Ko handingaparadzi nezuva iro vachenjeri pakati paEdhomu, nenjere pagomo raEsau here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.

9Mhare dzako, iwe Temani, ndichavhunduka, kuti vose vapere nokuurawa pagomo raEsau.

10Uchafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira mun’una wako simba, uchaparadzwa nokusingaperi.

11Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera fuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuo avo, vachikanda mije nya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.

12Asi regai kutarira zuva romun’una wenyu, muchifarira zuva renjodzi yavo, murege kufara pamusoro pavana vaJudha nezuva rokuparadzwa kwavo; uye regai kutaura muchizvikudza nezuva rokumanikidzwa kwavo.

13Regai kupinda pasuo ravanhu vangu nezuva renhamo yavo; regai kutarira njodzi yavo nezuva renhamo yavo, regai kuvatorera fuma yavo nezuva renhamo yavo.

14Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze vanhu vavo vanopukunyuka; regai kuisa kuvavengi vavo vanhu vavo vakasara nezuva rokumanikidzwa kwavo.

15Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose; sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu.

16Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose acharamba achinwa; zvirokwazvo, vachanwa, nokumedza, vachaita savasina kumbovapo.

17Asi pagomo relioni ndipo pachava navakapukunyuka, richava gomo dzvene; imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.

18Imba yaJakobho ichava moto, imba yaJosefa murazvo womoto, uye imba yaEsau mashanga; vachapisa vamwe pakati pavo, nokuvapedza; hakuchina vachasarira imba yaEsau, nokuti Jehovha akataura izvozvo.

19Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGiriyadhi.

20Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.

21Vaponesi vachakwira pagomo relioni kuzotonga gomo raEsau; ushe huchava hwaJehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.