Ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsiraeri vose mhiri kwaJorodhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi.These be the words which Moses spake unto all Israel on this side Jordan in the wilderness, in the plain over against the Red sea, between Paran, and Tophel, and Laban, and Hazeroth, and Dizahab.
Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi-bharinea, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe.(There are eleven days’ journey from Horeb by the way of mount Seir unto Kadesh-barnea.)
Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye;And it came to pass in the fortieth year, in the eleventh month, on the first day of the month, that Moses spake unto the children of Israel, according unto all that the LORD had given him in commandment unto them;
wakati akunda Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, wakanga agere Ashitaroti, paEdhirei,After he had slain Sihon the king of the Amorites, which dwelt in Heshbon, and Og the king of Bashan, which dwelt at Astaroth in Edrei:
Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu vari mhiri kwaJorodhani, panyika yokwaMoabhu, akati,On this side Jordan, in the land of Moab, began Moses to declare this law, saying,
Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, `Makagara nguva yakaringana pagomo iri.The LORD our God spake unto us in Horeb, saying, Ye have dwelt long enough in this mount:
Dzokai, mufambe, muende kumakomo avaAmori nokunzvimbo dzose dziri pedo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumhenderekedzo dzegungwa, nokunyika yavaKenani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.Turn you, and take your journey, and go to the mount of the Amorites, and unto all the places nigh thereunto, in the plain, in the hills, and in the vale, and in the south, and by the sea side, to the land of the Canaanites, and unto Lebanon, unto the great river, the river Euphrates.
Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.'Behold, I have set the land before you: go in and possess the land which the LORD sware unto your fathers, Abraham, Isaac, and Jacob, to give unto them and to their seed after them.
Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, `Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;And I spake unto you at that time, saying, I am not able to bear you myself alone:
Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyeredzi dzokudenga pakuwanda kwenyu.The LORD your God hath multiplied you, and, behold, ye are this day as the stars of heaven for multitude.
Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai.(The LORD God of your fathers make you a thousand times so many more as ye are, and bless you, as he hath promised you!)
Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?How can I myself alone bear your cumbrance, and your burden, and your strife?
Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikanwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.'Take you wise men, and understanding, and known among your tribes, and I will make them rulers over you.
Mukandipindura, mukati, `Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.'And ye answered me, and said, The thing which thou hast spoken is good for us to do.
Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vakazikanwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu.So I took the chief of your tribes, wise men, and known, and made them heads over you, captains over thousands, and captains over hundreds, and captains over fifties, and captains over tens, and officers among your tribes.
Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, `teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.And I charged your judges at that time, saying, Hear the causes between your brethren, and judge righteously between every man and his brother, and the stranger that is with him.
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.'Ye shall not respect persons in judgment; but ye shall hear the small as well as the great; ye shall not be afraid of the face of man; for the judgment is God’s: and the cause that is too hard for you, bring it unto me, and I will hear it.
Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita.And I commanded you at that time all the things which ye should do.
Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.And when we departed from Horeb, we went through all that great and terrible wilderness, which ye saw by the way of the mountain of the Amorites, as the LORD our God commanded us; and we came to Kadesh-barnea.
Ndikati kwamuri, `Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.And I said unto you, Ye are come unto the mountain of the Amorites, which the LORD our God doth give unto us.
Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.'Behold, the LORD thy God hath set the land before thee: go up and possess it, as the LORD God of thy fathers hath said unto thee; fear not, neither be discouraged.
Ipapo imwi makaswedera mose kwandiri, mukati, `Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.'And ye came near unto me every one of you, and said, We will send men before us, and they shall search us out the land, and bring us word again by what way we must go up, and into what cities we shall come.
Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe.and the saying pleased me well: and I took twelve men of you, one of a tribe:
Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora,And they turned and went up into the mountain, and came unto the valley of Eshcol, and searched it out.
Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.'And they took of the fruit of the land in their hands, and brought it down unto us, and brought us word again, and said, It is a good land which the LORD our God doth give us.
Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu;Notwithstanding ye would not go up, but rebelled against the commandment of the LORD your God:
mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, `Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze.And ye murmured in your tents, and said, Because the LORD hated us, he hath brought us forth out of the land of Egypt, to deliver us into the hand of the Amorites, to destroy us.
Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa moyo yedu,' dzichiti, `Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.'Whither shall we go up? our brethren have discouraged our heart, saying, The people is greater and taller than we; the cities are great and walled up to heaven; and moreover we have seen the sons of the Anakims there.
Ipapo ini ndakati kwamuri, `Musavhunduka henyu, kana kuvatya.Then I said unto you, Dread not, neither be afraid of them.
Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu,The LORD your God which goeth before you, he shall fight for you, according to all that he did for you in Egypt before your eyes;
nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.'And in the wilderness, where thou hast seen how that the LORD thy God bare thee, as a man doth bear his son, in all the way that ye went, until ye came into this place.
Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu;Yet in this thing ye did not believe the LORD your God,
iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.Who went in the way before you, to search you out a place to pitch your tents in, in fire by night, to shew you by what way ye should go, and in a cloud by day.
Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti,And the LORD heard the voice of your words, and was wroth, and sware, saying,
'Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu,Surely there shall not one of these men of this evil generation see that good land, which I sware to give unto your fathers,
asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomoyo wose.'Save Caleb the son of Jephunneh; he shall see it, and to him will I give the land that he hath trodden upon, and to his children, because he hath wholly followed the LORD.
Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, `Newewo haungapindi ikoko;Also the LORD was angry with me for your sakes, saying, Thou also shalt not go in thither.
`Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.'But Joshua the son of Nun, which standeth before thee, he shall go in thither: encourage him: for he shall cause Israel to inherit it.
Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo.Moreover your little ones, which ye said should be a prey, and your children, which in that day had no knowledge between good and evil, they shall go in thither, and unto them will I give it, and they shall possess it.
Asi kana murimwi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa dzvukuBut as for you, turn you, and take your journey into the wilderness by the way of the Red sea.
Zvino imwi mukapindura, mukati kwandiri, `Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.' Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.Then ye answered and said unto me, We have sinned against the LORD, we will go up and fight, according to all that the LORD our God commanded us. And when ye had girded on every man his weapons of war, ye were ready to go up into the hill.
Zvino Jehovha akati kwandiri, `Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.'And the LORD said unto me, Say unto them, Go not up, neither fight; for I am not among you; lest ye be smitten before your enemies.
Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.So I spake unto you; and ye would not hear, but rebelled against the commandment of the LORD, and went presumptuously up into the hill.
Zvino vaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma.And the Amorites, which dwelt in that mountain, came out against you, and chased you, as bees do, and destroyed you in Seir, even unto Hormah.
Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake.And ye returned and wept before the LORD; but the LORD would not hearken to your voice, nor give ear unto you.
Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.So ye abode in Kadesh many days, according unto the days that ye abode there.